2 Corinthians 11

Pauro anozvidavirira pamabasa ake

1Dai muchindiitira moyo murefu zvishoma paupenzi hwangu; asiwo munondiitira moyo murefu. 2Nokuti ndine godo nemwi negodo raMwari; nokuti ndakakuwanisai kumurume umwe, kuti ndikukumikidzeimuri mhandara yakachena kuna Kristu. 3Asi ndinotya kuti zvimwe nyoka sezvayakanyengera Evha nemano ayo, saizvozvo ndangariro dzenyu dzingatsauswa pauchokwadi huri muna Kristu. 4Nokuti kana anosvika achiparidza umwe Jesu watisina kuparidza, kana zvimwe muchigamuchira umwe mweya wamusina kugamuchira, kana imwe evhangeri yamusina kugamuchira, zvakanaka kuti muzviitire moyo murefu. 5Nokuti ndinoona ndisingasariri nepadiki kuvaapositori vakurusa. 6Kanawo kunyange ndisina kudzidza pashoko, asi kwete paruzivo; asi pachinhu chese takaratidzwa kwamuri muzvinhu zvese. 7Kana ndakaita chivi here pakuzvininipisa kuti imwi mukudzwe, nokuti ndakaparidza kwamuri evhangeri yaMwari pasina muripo? 8Ndakapamba amwe makereke, ndichitora muripo kuti ndikushandirei. 9Uye pandakange ndiripo kwamuri ndichishaiwa handina kuremedza munhu; nokuti zvandaishaiwa, hama dzaibva Makedhonia dzakapa; uye pazvese ndakazvichengeta kuti ndirege kuva mutoro kwamuri, uye ndichazvichengeta. 10Chokwadi chaKristu chiri mandiri, kuti kuzvikudza uku hakungamiswi mandiri kumatunhu eAkaya. 11Nemhaka yei? Nokuti handikudii here? Mwari anoziva. 12Asi chandinoita, ndichaitawo, kuti ndigure mukana kune vanoshuva mukana; kuti pane zvavanozvikudza nazvo vawanikwe vakaita sesuwo. 13Nokuti vakadaro vaapositori venhema, vabati vanonyengera, vanozvishandura kuva vaapositori vaKristu. 14Hazvishamisiwo; nokuti Satani amene anozvishandura kuva mutumwa wechiedza. 15Naizvozvo hachisi chinhu chikuru kana nevashumiri vake vachizvishandura kuita sevashumiri vekururama; kuguma kwavo kuchava semabasa avo.

Kutambudzika kwaPauro pamusoro peevhangeri

16Ndinotizve: Ngakurege kuva nemunhu anofunga kuti ndiri benzi; asi kana zvisakadaro, sebenziwo ndigamuchirei, kuti neni ndizvikudze zvishoma. 17Zvandinotaura, handitauri sekuna Ishe, asi sepaupenzi, pachivimbo ichi chekuzvikudza. 18Sezvo vazhinji vachizvikudza panyama, iniwo ndichazvikudza. 19Nokuti munoitira mapenzi moyo murefu nemufaro muri vakachenjera. 20Nokuti munoita moyo murefu, kana munhu achikuisai muuranda, kana munhu achikudyai kupedza, kana munhu achikutapai, kana munhu achizvikudza, kana munhu achikurovai kumeso. 21Ndinoreva sechinyadzo, senge kuti isu takange tine utera. Asi pane chipi nechipi umwe paane ushingi (ndinotaura paupenzi), ini ndine ushingiwo. 22VaHebheru here? Neniwo. VaIsraeri here? Neniwo. Imbeu yaAbhurahama here? Neniwo. 23Vashumiri vaKristu here? (Ndinotaura semupengo), ndinovapfuura, zvikurusa pamabasa anorema, pamavanga kupfuura chipimo, mumajere zvikurusa, pandufu kazhinji. 24KuVaJudha ndakagamuchira kashanu shamhu dzine makumi mana kusiya imwe. 25Katatu ndakarohwa netsvimbo, kamwe ndakatakwa nemabwe, katatu ndakaputsikirwa nechikepe, usiku humwe nemasikati ndakange ndiri muudziku hwegungwa; 26panzendo kazhinji, panjodzi dzenzizi, panjodzi dzemakororo, panjodzi nevekwangu, panjodzi nevahedheni, panjodzi muguta, panjodzi murenje, panjodzi mugungwa, panjodzi pakati pehama dzenhema; 27pakutambudzika nepakuremerwa, pakusarara kazhinji, panzara nenyota, pakutsanya kazhinji, pachando nepakushama. 28Kunze kwezvinhu izvi zviri panze, kurangarira makereke ese kunondimanikidza zuva rimwe nerimwe. 29Ndiani anoshaiwa simba, neni ndikasashaiwa simba? Ndiani anogumburwa, neni ndikasatsva? 30Kana zvakafanira kuzvikudza, ndichazvikudza nezvinhu zveutera hwangu. 31Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, anorumbidzwa kusvikira rinhi narinhi, anoziva kuti handirevi nhema. 32PaDhamasiko mutungamiriri wamambo Areta wakarinda guta reveDhamasiko achida kundibata; 33uye ndakaburuswa nepawindo ndiri mudengu nepamudhuri, ndikapukunyuka pamaoko ake.

Copyright information for Shona